Vanotengesera muMigwagwa muChinhoyi Votandanisana neMapurisa eKanzuru

Vanotengesera mumigwagwa zviri kunze kwemutemo ava vanonzi havasi kubhadhara mitero kumakanzuru avo.

Vanotengesa mumigwagwa zviri kunze kwemutemo vanonzi vasvera vachiita hwakitsi nagonzo nemapurisa ekanzuru nhasi muChinhoyi vachitandanisana vachiramba kubviswa pavanotengesera, ukuwo vanotengesera muzvitoro vachivharirwa mashopu avo nekutadza kubhadhara mari itsva dzegore rino.

Mumwe wevamwe vanotengesa nhumbi dzekupfeka, VaWisdom Makadhi, avo vakakwidzirwa mari yerezinesi kubva pamadhora mazana maviri nemakumi mashanu kusvika pamadhora zviuru zvitatu nemazana manomwe emabhondi pagore, vanoti mari iyi yakawandisa zvikuru kunyange ichibhadharwa zvishoma nezvishoma.

VaMakadhi vanoti havanzwisise kuti sei mari yakakwidzwa zvakanyanya kudai.

VaMakadhi vanoti kanzuru inofanirwa kutanga yataurirana nevemabhizinisi vasati vangokwidza.

Mumwe anotengesa zvekudya mumigwagwa, Amai Mavis Kavhiya, vanoti havarege kutengesa mumigwagwa sezvo vasina zvimwe zvinovararamisa.

Mumiriri wevanotengesa munzvimbo dzakatarwa nekanzuru, VaTapiwa Muhwandavaka, vanoti kunzuru iri kuita zvakanaka nekubvisa vanotengesera mumigwagwa zviri kunze kwemutemo, zvikuru sei pamikova yezvitoro, vachiti ivo zvinovanakira kuti vatengerwe sezvo vachibhadhara mitero kukanzuru

Mutauriri wekanzuru yeChinhoyi VaTichaona Mlauzi vanoti mari iri kubhadhariswa vezvitoro ndiyo yakatarwa pakaitwa bhajeti kupera kwegore rapera.

VaMlauzi vanoti rimwe dambudziko rinoita vemabhizinisi nderekuti havaende kunopa pfungwa dzavo panoitwa bhajeti.

VaMlauzi vanoti vanotarisira kuti mari idzi dzibhadharwe kamwechete kuti mari yacho ivashandire asi vanoti vane zvichemo vanogona kuenda kumahofisi avo kunoita hurongwa hwekubhadhara hunonzwisisika.

Kanzuru yeChinhoyi yakakwidza mari yemarezinesi ezvitoro zvevemabhizinisi madiki kubva pamadhora mazana masere kusvika pamadhora chiuru nezana remadhora uye vemabhizinisi epakati nepakati kubva pamadhora mazana maviri nemakumi mashanu kusvika pamadhora zviuru zvitatu namazana manomwe emabhondi kana RTGS.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Nunurai Jena