Vamwe Vanoti Vane Dambudziko reMombe Dzavo Dzinorasika Dzichibatwa kuMozambique Rowanda kuChimanimani

  • Jonga Kandemiiri

Vamwe vagari vekuChikukwa nemamwe matunhu ekuChimanimani, mudunhu reManicaland, vanonzi vari kuita dambudziko remombe dzavo dzinenge dzarasika dzichipinda muMozambique dzichibva dzabatwa ikoko.

Mumwe mugarii weWard 23 uye vari kanzura, VaJoel Dhumakwezu, vanoti vagari vari kumuganho wenyika neMozambique vari kuita dambudziko rekubatirwa mombe dzavo dzichirambirwa nevagari vematunhu anoti Madimba neRutanda kuMozambique.

VaDhumakwezu vanoti vagari vari kumboedza kuti vabatsirwe nemapurisa pamwe nevebazi rinoona nezvezvipfuyo asi hazvisi kuburitsa chimuko.

Studio 7 yakundikana kubata mapurisa ekuManicaland kanawo vagari vekuMozambique kuti tinzwe mativi avo panyaya iyi asi VaDhumakwezu vaita hurukuro naJonga Kandemiiri weStudio 7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoel Dhumakwezu,