Kubudirira kwakaita Zimbabwe kuenda kumakwikwi e2022 Afcon kuCameroon gore rinouya kwasimudza mufaro une mutsindo panguva iyo vanhu vakatarisana nematambudziko ehupenyu pamwe nechirwere cheCovid 19.
Veruzhinji vambokanganwa nhamo dzenyika pamwe neCovid 19, vachifarira chikwata chavo icho chakarova Botswana 1-0 pamusha payo nezuro manheru, ndokuwana tiketi rekuenda kumafainari eAfcon.
Kwese kwese, munzira, mudzimba, pamwe nemumabasa, nyaya ir ikungotaurwa nezvayo ndeye maWarriors ayo abudirira kuenda kuAfcon mitambo isati yapera.
Muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti Zimbabwe yaratidza kugona kwayo kuti iri pazvikwata zvikuru muAfrica.
Zimbabwe yave nemapoinzi masere, mapoinzi mana pamusoro peBotswana neZambia uyezve mapoinzi matatu pasi peAlgeria.
Kunyange ikarohwa neZambia, Botswana ikarova Algeria, zvikwata zviviri izvi hazvikwanise kusvika pamapoinzi ave neZimbabwe kare
Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaWonder Gombera, vanoti vari kufara nezvaitwa nemaWarriors vachiti Zifa inofanirwa kugadzirisa maitiro ayo kuitira kuti chikwata ichi chisasangane nezvimhingamupinyi mugadziriro yekuenda kumafainari.
Asi mumwe muteveri wemaWarriors, VaProsper Chimusoro, vanoti Zimbabwe haisati yapedza basa vachiti chasara kurova Zambia nekuratidza kuti ndiyo shasha yenhabvu kuchamhembe kweAfrica.
Asi maneja wechikwata ichi, VaWellington Mpandare, vanoti vane shuwiro yekuenda ku2022 World Cup mushure mekunge Zimbabwe yabudirira kuenda kuAfcon ichangobva kumafainari eChan.
Zimbabwe iri mugungano rimwe chete neGhana, Ethiopia neSouth Africa munzira yekuenda ku2022 World Cup.
Sangano rinoona nezvenhabvu muAfrica, reConfederation of African Football, harisati razivisa kuti mitambo yeWorld Cup iyi ichapfungaidza hutsi rinhi.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Michael Kariati