Hurumende Yokurudzirwa Kuvandudza Mitemo Kuti Ipedze Dambudziko reKushaikwa kweMari

  • Blessing Zulu
Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye iri chipangamazana kuhurumende, Doctor Gift Mugano, vanoti hurumende inofanira kuvandudza mitemo yezvehupfumi kana ichida kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemari.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye iri chipangamazano kuhurumende, Doctor Gift Mugano, vanoti hurumende inofanira kuvandudza mitemo yezvehupfumi kana ichida kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemari.

Mabhanga akawanda adzikisa zvakanyanya mari dziri kutorwa nevanhu uye vanhu vari kupedza nguva yakareba vakamira mumitsetse vachida kutora mari dzavo.

Gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vanoti zviri pachena kuti vakawanda vari kuda kushandisa mari yekuamerica zvopa kuti ibve yanyanya kushomeka zvichienzaniswa zvakaita sema rands nemapula.

Doctor Mugano vanoti dambudziko iri richatowedzera kana hurumende isina kuvandudza gwara rezvehupfumi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Doctor Gift Mugano