ZimRights Yokurudzira Veruzhinji Kuramba Vachinyoresa Kuvhota

  • Jonga Kandemiiri

ZEC ndiyo inoona nezvesarudzo munyika yose

Chirongwa chekunyoresa vanhu kuvhota boka rinoona nezvesarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, richipinda muvanhu chapera munyika yose paine vanhu vanosvika 4 630,095 vakanga vanyoresa kuvhota pakupera kwezuva musi weMuvhuro.

Huwandu uhwu hwaziviswa neboka riri kutungamira sarudzo reZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

Huwandu uhwu, uhwo hunodarika zvishoma zvikamu makumi matanhatu kubva muzana ehuwandu hwaitarisirwa hwemamiriyoni manomwe, huri pasi kwazvo pane zvaitarisirwa neZEC kubva pakatanga chirongwa ichi musi wa14 Gunyana gore rino.

ZEC yakazivisa kuti ichawedzera chirongwa ichi nemasvondo mashanu, asi yaiti inoda mari inoita mamiriyoni masere kuti chibudirire.

Hurongwa hwekunyoresa kuvhota uhwu hwaive hwakaiswa muzvikamu zvina, chikamu chechina chinove chapera ichi.

Asi masangano akawanda pamwe neveruzhinji vaichemachema kuti chirongwa ichi hachisi kufambiswa zvakanaka nekuda kwezvimhingamipinyi zvakasiyanasiyana zvaisangana nevaida kunyoresa kuvhota, izvo zvakazoita kuti vakumbire kuti chirongwa ichi kuti chiwedzerwe nguva.

Mukuru wesangano reZimRights, VaOkay Machisa, vanove mumwe wevanhu vaikurudzira kuti chirongwa ichi chiwedzerwe nguva, vanoti vanofara nedanho reZEC rekuti iwedzere nguva, uye vanokurudzira veruzhinji kuti vashandise mukana uyu kunonyoresa kuvhota.

VaMachisa vanoti vanhu vanofanirwa kuramba vachinyoresa kuvhota kusvikira panguva ye nomination court.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaOkay Machisa