ZEC Yopeta Chikamu Chekutanga cheBVR Huwandu hweVanyoresa Huri Hushoma

  • Blessing Zulu

Amai Rita Makarau

Sangano reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, nemusi weChitatu riri kutarisirwa kupeta chirongwa charo chekutanga kana kuti phase one chekunyoresa vavhoti patsva pasi pechirongwa cheBiometric Voter Registration, kana kuti BVR.

Asi sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, vanoti havasi kukwanisa kusvika pavange vachitarisira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Rita Makarau

ZEC yange ichitarisira kunge yanyoresa vanhu vanosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe nechidimbu panopera chikamu chekutanga.

Asi kusvika pari zvino pane vanhu vari pasi zvishoma pemiriyoni imwe chete vanyoresa kuvhota.

Nyaya yekushaya ruzivo rwakakwana, kuomeserwa kwevamwe vane vabereki vasina kuberekerwa muZimbabwe uye kushaya zvitupa kwevamwe, dzimwe nyaya dziri kuita kuti zvinhu zvinetse.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Support Network, VaAndrew Makoni, vanoti vanhu vavo vari kuongorora hurongwa hweZEC vari kushungurudzwawo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAndrew Makoni