Hurumende yeBritain Yovimbisa Kubhadhara Mhuri Dzevashandi Vakafa neCOVID-19

  • Jonga Kandemiiri

Vashandi vezvehutano muBritain vachiratidzira vachiti vanoda kupiwa mbatya dzinovadzivirira kubva ku coronavirus.

Hurumende yeBritain inonzi yakazivisa kuti ichabhadhara mari inoita zviuru makumi matanhatu zvemapaunzi kumhuri dzavanamukoti nevamwe vari muboka rezvehutano vanoshaya vari pamabasa zvichikonzerwa neCovid-19.

Izvi zvinonzi zvakaziviswa svondo rino negurukota rezvehutano, VaMatt Hancock, avo vakati hurumende yavo ine chikwereti chikuru kuvanhu ava nekuzvipira kwavo kushanda munguva yakaoma kudai.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvine chitsama zvinoshanda muboka rezvehutano muBritain zvaurayiwa neCovid-19, izvo zvinonzi nenyanzvi mune zvehutano zvinogona kunge zvichizoenda kure sezvo vanhu ava vachigona kunge vakatapurirawo hama dzavo chirwere ichi.

Gweta rinorwira vashandi muboka rezvehutano kuEngland, Doctor Simba Mavaza, vanoti vana veZimbabwe vakawanda vari kushaya vanogona kunge vakashanda mune varwere vane coronavirus vasina zvinovadzivirira.

Doctor Mavaza vanoti kunyange hazvo mhuri yakasara ichipiwa mari iyi, haizofi yakadzosa baba kana amai vemba vanenge vashaya ava.ngatinzweyi vachitsanangura.

Vashandi vezvehutano muBritain vakatomboratidzira vachiti vanoda kupiwa mbatya dzinovadzivirira kubva kuhutachiwana hwe coronavirus.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Simba Mavaza