Zimbabwe Imwe yeNyika Dzave Kubvumidzwa Kupinda muBritain Zvichitevera Kudzikira kweCovid-19 muNyika

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu muBritain, VaGrant Shapps

Hurumende yeBritain yakazivisa svondo rino kuti kubva neMuvhuro unouya zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvave kubvumidzwa kushanyira nyika iyi zvichitevera kubviswa kweZimbabwe nedzimwe nyika panyika dzairambidzwa kupinda munyika iyi dzichinzi dzaive nedambudziko redenda reCovid-19 rakakurisa.

Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu muBritain, VaGrant Shapps, vakazivisa nemusi weChina chapfuura kuti vachabvisa nyika makumi mana nenomwe, kusanganisira Zimbabwe, panyika makumi mashanu neina dziri kurambidzwa kushanyira Britain sezvo denda reCovid-19 radzikira munyika idzi.

Zimbabwe imwe yenyika makumi maviri dzemuAfrica dzinosanganisira South Africa, Zambia, Tunisia neUganda dziri kutarisira kutanga kushanyira Britain kutanga Muvhuro.

Nyanzvi mune zvehutano vari kuBritain, Dr. Edgar Munatsi, vanoti Britain ine nhomba nhatu dzayakati inotambira dzinoti Pfizer, Mordena neJohnson and Johnson uye vanhu vanenge vakaiwa nhomba idzi vanenge vasisasungirwa kutanga vavhenekwa kana vaine Covid-19 vasati vasimuka, asi vanozotarisirwa kuvhenekwa vachibhadhara mari dzavo pazuva repiri vapinda munyika iyi.

Asi Dr. Munatsi vanoti Britain yakazivisa kuti haicherechedzi nhomba dzerudzi rweSinopharm, Sinovac neSputnik, idzo dzinove dzakabaiwa vanhu muZumbabwe, zvichireva kuti vanhu ava pavanopinda muBritain vanenge vachionekwa sevasina kubaiwa nhomba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr. Edgar Munatsi