Botswana Yotsigira Makambani Ayo Anoda Kutanga Mabhizinesi muZimbabwe

President Emmerson Mnangagwa And Botswona President Masisi 5

Zimbabwe neBotswana dzanyorerana chibvumirano chemari inosvika bhiriyoni rimwe chete rema Pula ekuBotswana.

Chibvumiranbo ichi chaona Botswana ichiisa mazana mashanu emamiriyoni ema Pula pamusoro pemazana mashanu emamiriyoni ema Pula agara aripo.

Mutungamiri weBotswana, VaMokwgweetsi Masisi, vaudza vatori venhau kuti Zimbabwe neBotswana dzawirirana hurongwa hwechikwereti uhu.

Mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vabvumawo kuti ichokwadi kuti nyika dzavo dzanyorerana chibvumirano.

Vachitsanangura zviri muchibvumirano ichi, gurukota rinoona nezvekutengeserana muBotswana, Va Bogonelo Kenewendo, vati mari yabvumiranwa iyi ichashandiswa nemakambani emu Botswana anoda kutanga mabhizinesi muZimbabwe.

Mashoko aVaKenewendo anopesana nemashoko ari kuburitswa nemapepanhau muZimbabwe ekuti Zimbabwe yapihwa chikwereti neBotswana senzira yekuti ivandudze makambani anoshanda akazvimirira.

Ukuwo gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vatiwo Zimbabwe yapihwa neBotswana mari inoita mamiriyoni makumi mapfumbamwe nemashanu emadhora. Asi havana kujekesa kuti mari iyi ndeyekubatsira here makambani emuBotswana kuti atange mabhizinesi muZimbabwe kana kuti kwete.

Apo VaMasisi nechikwata chavo vange vari muHarare, bazi renyika yavo rinoona nezvekutengeserana nedzimwe nyika, razivisa kuti mari iyi ndeyekubatsira makambani ekuBotswana anoda kuita mabhizimisi muZimbabwe uye Zimbabwe inofanirawo kuisa hwaro hwekuti mabhizimisi aya haasi kuzorasikirwa nemari dzawo muZimbabwe.

Bazi iri ratiwo kuti chibvumirano ichi chitange kushanda chinofanira kutsigirwa neBilateral Investment Protection and Promotion Agreement pakati penyika mbiri idzi.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio7 kuti izvi zvinoreva kuti hapana chashanduka sezvange zviri kutaurwa nemapepanhau ehurumende.

VaKuchera vati zviri kutaurwa nebazi rezvekutengeserana rekuBotswana zvinoreva kuti hurumende yeZimbabwe inofanira kushanda zvakasimba kuona kuti chibvumirano ichi chashanda.

Nyanzvi munyaya dzemabhizimisi, VaRoy Magosvongwe, varatidza kusafara nemanyepo aiburitswa mumapenhau ehurumende pamusoro pechibvumirano chemari ichi dzisati dzapera.

Vati zvakakosha kuti hurumende imbomira zvekurova bembera pamusoro pezvibvurano zvainenge ichironga asi kuti iite basa rinoonekwa kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Bato guru rinopikisa munyika reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, rashora manyepo ehurumende ekuti yainge ichazowana chikwereti chemamiriyoni mazana matanhatu emadhora kubva Botswana.

Mumashoko araburitsa, mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, vati manyepo aya haana kusiyana nemamwe anogaroutarwa zuva nezuva kuti hurumende iri kusaina zvibvumirano zvichaunza mari kunyika asi pasina chinobuda kana kuti ari manyepo chete.

Vanoti hurumende inosungirwa kutaurira vanhu chokwadi kwete manyepo.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, kuti tinzwe divi rehurumende.

Zimbabwe neBotswana dzasainirana zvibvurano zvitanhatu munyaya dzedzidzo pamwe nezvicherwa uye musangano unotevera uchaitirwa kuBotswana gore rinouya.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya