Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, Voshanyira Zimbabwe

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

FILE PHOTO: The then vice president of the Republic of Botswana, Mokgweetsi Masisi, addresses the United Nations General Assembly at U.N. headquarters in New York, Sept. 21, 2017.

Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vasvika munyika umo vari kutarisirwa kupinda mumisangano neChina wekuchanyorerana zvibvumirano nemumwe wavo, VaEmmerson Mnangagwa.

Makurokata enyika mbiri idzi anowona nezvekudyidzana kwenyika vaita misangano yavo neChitatu vachigadzirira musangano mukuru wevatungamiri wenyika mbiri idzi uchaitwa neChina.

Mashoko aburitswa anoti VaMnangagwa naVaMasisi vachanyorerana chibvumirano chekukweretesa mari makambani emuZimbabwe sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZimbabwe.

Asi mashoko ari kubva kuBotswana anoti hapana mari ichapihwa Zimbabwe sezvo zvakambenge zvawirirana pakutanga, zvashanduka.

Munyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaGaeimelwe Goitsemang, vaudza nhepfenyuro ye Yarona FM kuti chibvumirano chakanga chaitwa neZimbabwe nenyika yavo chekuti Botswana ikweretese Zimbabwe mamiriyoni mazana mashanu emadhora ekuAmerica, hachisipo.

Mari iyi yaifanirwa kushandiswa mukuvandudza kucherwa kwemangoda kuitira kuti nyika iwane mari kubva mumangoda ayo ari muminda yekwaMarange.

Studio7 haina kukwanisa kubata munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

Mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze, vanoti misangano yakadai yakakosha mukugadzirisa hukama hweZimbabwe neBotswana.

VaKanyenze vanoti zvichabuda mumusangano pakati pevatungamiri vaviri ava zvinokwanisa kujekesa hudzamu hwekudyidzana nekugarisana kweZimbabwe neBotswana sezvo vatungamiri venyika mbiri idzi vachiri vatsva vose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGodfrey Kanyenze