“Ino Ndiyo Nguva YeVaKristu Yekuratidza HuKristu Hwavo” - Bishop Chad Gandiya.

Bishop Chad Gandiya

Bishop Nicholas Chad Gandiya vanoti hapana nguva inopfuura sazvino kuti vaKristu varatidze huKristu hwavo.

Bishop Gandiya vanoti Covid-19 haikwanisi kuregesa vaKristu kuita zvechitendero chavo, vachiti kunyange parizvino vanhu vasingaungani pamwe chete semakore ose, Covid-19 haikwanisi kuchinjisa vaKristu netsika dzavo kubva mukuita zvavanofanirwa kuita sevatendi.

Vanoti kubatsirana panguva inogozha iyi, ndiko kunoratidza kudzama kwe chiKristu chiri muvanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naBishop Nicholas Chad Gandiya