Mutsigiri weMDC Alliance Akapondwa Svondo Rapera Anochengetwa kuPlumtree

Vatsigiri veMDC Alliance vari paneumwe musangano muBulawayo

Mutsigiri webato rinopikisa, reMDC Alliance, VaMazwi Ndlovu, vakachengetwa pamusha wavo, weGwambe, ku Plumtree nezuro.

VaNdlovu vanonzi vakarohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF mushure mekubvunza kuti sei vatsigiri veMDC Alliance vakange vachinyimwa chibage chehurumende chekubatsira vanhu chakange chichingopiwa vatsigiri vebato reZanu-PF vega munzvimbo iyi.

Vaimbove nhengo yeparamende, Amai Nomathemba Ndlovu, avo vakange vari pakuchengetwa kwaVaMazwi Ndlovu, vaudza Studio 7 kuti vanhu vakange vakaungana pakuchengetwa kwaVaMazwi Ndlovu vakange vakashatirwa zvikuru.

Assistant Commissioner Paul Nyathi havana kudaira runhare patavafonera kuti tinzwe divi ravo asi Amai Nomathemba Ndlovu vati mapurisa akavimbisa kuti achaongorora nyaya iyi zvakadzika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Nomathemba Ndlovu