Sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti nhengo dzaro dziri kutanga kuramwa mabasa neMuvhuro 15 Mbudzi kwemasvondo maviri dzichida kuti hurumende igadzirise zvichemo zvevarairidzi.
Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure vanoti vane nyaya mbiri dzinoti yemihoro yevarairidzi, pamwe neyekuti varairidzi vachanyoresa bvunzo gore rino vasainirane zvibvumirano zvebasa kana kuti ma contract vasati vatanga kunyoresa bvunzo.
VaMasaraure vanoti vakabvisa imwe yenyaya dzavaida kuti dzigadziriswe, yemabhonasi, mushure mekunge hurumende yazivisa kuti gore rino ichapa vashandi vayo mari dzemabhonasi mumari yekuAmerica.
Panyaya yekuti vari kuronga kuramwa mabasa panguva iyo vana vave kugadzirira kunyora bvunzo dzegore rino, VaMasaraure vanoti varairidzi vaari kuedza kuti nyika inzwewo zvichemo zvavo kuitira kana hurumende iine zvainogona kuita bvunzo dzisato dzanyorwa igadzirise.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaObert Masaraure