ARTUZ Inoti Varairidzi Vave Kutya Kumanikidzwa Kubvisa Mari yeKubatsira Zanu PF Pamberi peSarudzo dza2023

  • Jonga Kandemiiri

ARTUZ inoti nhhengo dzayo dzinomanikidzwa kubvisa mari yekubatsira Zanu PF

Nyaya yekuti bato riri kutonga reZanu PF rakaumba komiti ichaunganidza mari yekuti ishandiswe nebato iri mukutsvaga rutsigiro pamwe negadziriro pamberi pesarudzo dza 2023, inonzi nerimwe sangano rinomirira varairidzi, reAmalgamated Rural Teachers' Union of Zimbabwe, ARTUZ, inounza kutya kukuru munhengo dzaro.

Mutungamiri wesangano iri, VaObert Masaraure, vanoti zviounza ndangariro dzemaitiro ebato iri kana richinge ropinda muvanhu kunopemha, vachiti dzimwe nhengo dzavo dzakamboshungurudzwa, vamwe vachigurwa maoko nevatsigiri veZanu PF mushure mekunge vakundikana kubatsira bato iri nemari.

VaMasaraure vanoti mumakore adarika nguva dzose dzinonzi Zanu PF iri kupemha mari, varairidzi, zvikuru vekumaruwa, vanooneswa chitsvuku.

Vanoti vanoshorawo zvakare hurongwa hweZanu PF hwekuda kupemha mari kune vanozvibatira mabasa emaoko pamwe nevarimi vatsva, vachiti hurumende yeZanu PF yakaputsira vanotengesa ava pekushandira asi yave kuda kuvatevera kunotsvaga rubatsiro.

Asi nhengo yebato riri kutonga reZanu PF mudunhu reHarare, VaAlex Gakanje vanoti manyepo kuti vanhu vanomanikidzwa kubatsira nemari, asi kuti vanobvisa vega nekuda kwavo kutsigira musangano uri kutonga.

VaGakanje vanoti Zanu PF ine rutsigiro rwakakura kwazvo kumaruwa zvekuti zvekuti havangamanikidza vanhu, vachitiwo zvakare vanozviitira mabasa emaoko, varimi vatsva pamwe nevemakambani vachakumbirwa mari nekomiti yebato ravo yekupemha mari vanhu vagara vachitsigira musangano.

VaGakanje varambawo mashoko aVaMasaraure ekuti kune varairidzii vakagurwa maoko, vachiti kana VaMasaraure vakavaratidza murairidzi akagurwa ruoko neZanu PF vanovapa chiuru chemadhora.

Zanu PF yakazivisa neChitatu kuti yaumba komiti ichange ichitungamirwa namuzvinabhizimusi VaPhilip Chiyangwa, iyo ichaunganidza mari inoira mamiriyoni zana nemakumi mana emadhora ekuAmerica ichashandiswa mugadziriro yesarudzo.

Mari iyi inonzi ichashandiswawo zvakare mukuita gadziriro pamwe nemusangano wepagore webato iri, uyo uchaitirwa kuBindura.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure pamwe naVaAlex Gakanje