Sangano reARTUZ Rinozivisa Zvinangwa Zvarinoda Kuzadzikisa Mukati Memakore Mashanu Ari Kuuya

Obert Masaraure

Sangano rinomiririra varairidzi vekumaruwa, re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, rinoti kongiresi yaro ichangopera kuitwa muGweru yakabvumirana pamusoro pezvinhu zvavanoda kuzadzikisa mumakore mashanu ari kuuya.

Mutauriri wesangano iri, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti pane zvakabvumiranwa, zvimwe zvikuru zvavachange vachiita zvinosanganisa kusimbaradza kwekubatsira vana vechikoro vanonetseka uye kurwira kodzero dzevarairidzi,

VaMasaraure vati sangano ravo richatarisisa mamiriro nemashandiro esangano ravo, chinangwa chiri chekurivandudza kuti rikwanise kushanda pamwe nemamwe masangano anorwira kodzero dzevashandi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure