Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, Vanosungwa Zvakare

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanonzi vasungwa pavanozviratidza kumapurisa sechibvumirano chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, iro rinomirira varairidzi vekumaruwa, VaObert Msaraure, vanonzi vasungwa nemapurisa masikati pavaenda kukamba yemapurisa yeWedza kunozviratidza kumapurisa, sechimwe chezvibvumirano chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, ayo ari kumirira VaMasaraure, anoti vasungwa vachipomerwa mhosva yekutyora chibvumirano chekuzviratidza kumapurisa ichi, vachinzi havana kuenda kumapurisa musi wa14 mwedzi uno.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio7 kuti vanga vasati vanzwa nezvekusungwa kwaVaMasaraure uku.

Asi mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti VaMasaraure vakachengetedzwa nemapurisa uye vari kutarisirwa kuendeswa kukamba yemapurisa yeHarare Central Police Station uko vachange vari mumaoko edivi reLaw and Order.

VaMafunda vanoti vanotarisira kuti VaMasaraure, avo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti vakaenda kumapurisa asi havana kupiwa bhuku rekuti vasaine, vachamiswa pamberi pedare neMugovera.

Mwedzi wapera VaMasaraure vakambopambwa nevanhu vasingazivikanwe, vakarohwa zvakaipa vakazokwanikwa vakakandwa parutive pemugwagwa.

Sangano ravo reARTUZ riri kutungamira kuramwa mabasa kuri kuitwa nevarairidzi vachida kuti hurumende itarise zvakare mihoro yavo kuitira kuti ifambirane nemitengo yezvinhu, iyo inonzi iri kukwira zuva nezuva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda