ARTUZ Yaparura Chirongwa Chekubatsira Varairidzi Padandemutande

Sangano rinomiririra varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti raparura padandemutande, kana kuti ‘internet’, chirongwa chekubatsira varairidzi neruzivo uye nekuvaraira kuti vangawana sei mari panguva yekumboramwa basa.

Mutungamiriri weARTUZ, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti nhasi sangano ravo ratangidza kushambadza zvirongwa zvakasiyana siyana padandemutande apo ririkuunza zvidzidziso zvakanangana nevarairidzi kuti vakwanise kuzvibatsira pamwe chete nemhuri dzavo vachiita mabasa avanodzidzisa vana muzvikoro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure