ARTUZ Inoti Zanu PF iri Kumanikidza Varairidzi Kupinda Misangano, Asi Zanu PF Inoti Hapana Vari Kumanikidzwa

  • Jonga Kandemiiri

Sangano reARTUZ rinoti varairidzi vari kushungurudzwa nenhengo dzeZanu PF, asi Zanu PF inoti izvi ndezvemugotsi matsuro.

Rimwe sangano revarairidzi, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti bato reZanu PF riri kushungurudza varairidzi kumaruwa, zvikuru kumatunhu eHwedza kuMashonaland East nekuMashonaland West izvo zviri kukanganisa mashandiro avo.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti nhengo dzeZanu PF dziri kushungurudza varairidzi kuburikidza nekuvamanikidza kupinda mumisangano yezvematongerwo enyika munguva dzavanofanirwa kunge vachiita basa ravo.

VaMasaraure vanoti nhengo dzeZanu PF idzi dziri kumanikidzawo varairidzi ava kupinda mubato iri uyewo kuti vapinde mumakomiti ebato iri pamwe nekuti vabatsire mukuzadzisa chirongwa chebato iri chekuunganidza vatsigiri mamiriyoni mashanu sarudzo dza2023 dzisati dzasvika.

Vanoti vakamboedza kugara pasi nebato iri pamwe nekuenda kumatare edzimhosva asi hapana chakashanduka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabatawo mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, avo vanotenda kuti bato ravo riri mushishi kuunganidza vatsigiri mamiriyoni mashanu pamwe nekuumba musangano mumatunhu ose.

Asi VaMugwadi vanoramba kuti nhengo dzebato ravo dziri kumanikidza varairidzi kuti vapinde mubato ravo, vachiti vanhu vari kupinda muZanu PF nekuda kwavo, sezviri kuonekwa nevari kubva kubato reMDC vachipinda muZanu PF vasina kumanikidzwa.

Vanotiwo havasati vambonzwa nezvezvinyunyuto izvo kunze kwekuti vanhu vanongofambisa mashoko enhema pamadandemutande ekuda kusvibisa zita ravo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi