WASHINGTON —
Mutungamiri wesangano revechidiki reMDC-T kana kuti youth assembly VaSolomon Madzore vakasungwa nemapurisa neChina vachipomerwa mhosva yekutuka mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kumusangano wakaitwa nemugovera kuMbire kuMashonaland Central.
VaMadzore vanonzi vatanga vaendeswa kuHarare Central Police station vasati vaendeswa kuBindura.
Munyori mukuru muMDC-T Youth Assembly VaPromise Mkwananzi vanoti zviri kuitwa kunaVaMadzore vaendeswa kuBindura.
VaMadzore vakambogara mutirongo kwermwedzi misere vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende nechisimba.
Vakazosungwazve vakagara mujeri kwegore nemimwe mwedzi vachipomerwa mhosva yekuponda mupurisa kuGlen View nevamwe vatsigiri veMDC vanodarika makumi mapfumbamwe.
Vanhu vakawanda munyika zvikuru vanopikiswa vari kusungwa vachipomerwa mhosva yekutuka VaMugabe. Vakambosungwa vanosanganisa mutauriri weMDC, VaDouglas Mwonzora uye gurukota rezvemhando dzemoto VaElton Mangoma

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaPromise Mkwananzi