WASHINGTON —
Mutungamiri wemauto eZimbabwe National Army, Lieutenant General Valerio Sibanda, vari kushorwa zvikuru nebato reMDC nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu nemashoko avakataura ekuti mauto haasi kuzobvumidza vavanoti vari kushandiswa nevachena kuda kupamba nyika zvekare kuti vatonge Zimbabwe.
Bepanhau reHerald rinoti VaSibanda vakataura mashoko aya mumazuva mashoma apfuura vari kuMagunje uko kwaipihwa zvitupa vainge vapedza kudzidzira basa rechiuto.
Munyori anoona nezvekudzivirirwa kwenyika muMDC-T, VaGiles Mutseyekwa, avo vakashandawo na Lt General Sibanda muchiuto vanoti vari kushamisika nemashoko aVaSibanda sezvo vachivaziva semunhu asingaite zvematongerwo enyika.
Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari maneja musangano reInstitute for a Democratic Alternative for Zimbabwe, VaJoy Mabenge, vati nyaya dzemauto idzi dzingadai dzakagadziriswa kare pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa.