Mapato Anopikisa Otaura Pamusoro peBasa Idzva raVaChiwenga

Vaimbove mukuru weMauto, VaConstantino Chiwenga, vakaitwa mutevedzeri wemukuru wenyika.

Mapato anopikisa anoti haana kunyanyoshamiswa nevanhu vakadomwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vave vatevedzeri vavo muhurumende.

Mashoko aya anotevera kutoreswa mhiko kwaitwa Retired General Constantino Guvheya Dominic Nyikadzino Chiwenga naVaKembo Mohadi yekuva vatevedzeri vaVaMnangagwa.

Mutaururi webato reMovement for Democratic Change inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaObert Gutu, vaudza Studio7 kuti kwavari zvaive pachena kuti mabvisirwo akaitwa hurumende yaVaMugabe nemauto, mauto aida simba rekutonga.

VaGutu vati kunyange hazvo kubato ravo zviri pachena kuti hurumende yaVaMnangagwa ihurumende yemasoja, vati vacharamba vachiongorora zvinoitwa nehurumende iyi mazuva ose.

VaGutu vatiwo hazvivashamisi kana VaChiwenga vakazotora chigaro chehutungamiri pane remangwana.

Mutauriri webato reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vatiwo sebato vanotyira kuti vemabhizimusi vanogona kutya kuuya kuzoita mabhizimusi munyika vachiti Zimbabwe inyika inotongwa nemasoja.

Bato rePeople’s Democratic Party rinotiwo zvinosuwisa kuti masimba ekutsvaka vatevedzeri vemutungamiri wenyika pamwe nemakurukota ehurumende hazvisi mumaoko everuzhinji.

Mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, vati havazivi kuti vanhu vakabva kumauto ava vakaita sana VaChiwenga vachachengeta vana veZimbabwe zvakanaka here.

Vanotaura vakamirira bato reZAPU, VaIpithule Maphosa, vashorawo zvikuru mapihwiro ari kuitwa zvigaro muhurumende yaVaMnangagwa. VaMaphosa vati ivo vari kuona kuti zvigaro zviri kupihwa semubhadharo kuvanhu vakabetsera VaMnangagwa kupinda pachigaro.

VaChiwenga ndivo vakatungamira mauto kubvisa VaMugabe pachigaro pasi pechirongwa cheOperation Restore Legacy, icho chakatanga musi 13 Mbudzi, vachiti vaida kugadzirisa zvinhu zvanga zvashata munyika, kusanganisira kubvisa nhubu dzakanga dzakakomberedza VaMugabe apo vaitonga.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa