Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vazivisa kuti sarudzo dzekutsiva nhengo dzeparamende dzakafa pamwe nedzakadzingwa muparamende dzichaitwa musi waKurume 26.
VaMnangagwa vazivisa zviri pamutemo kuitwa kwesarudzo idzi uye vatara musi wa Ndira 26 sezuva richagara dare rinotambira mazita evanhu vachakwikwidza.
Kuziviswa kwezuva resarudzo kwabva kwasimudzawo zvakare makakatanwa ari mumapato maviri ari muMDC eMDC Alliance neMDC-T.
Mutauriri weMDC-T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora, VaWitness Dube,vati vachashandisa zita rekuti MDC Alliance pachaitwa sarudzo idzi vachiti ndivo varidzi vezita iri.
Asi mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzayi Mahere, vati vachazivisa vatsigiri vavo nenguva isipi kuti vachashandisa zita ripi musarudzo vachiti chakakosha pari zvino inyaya yekuti veruzhinji vanyorese kuvhota nehuwandu hwavo.
Asi nyanzvi munyaya dzemitemo uye vari mutungamiri weNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vati vanoda kupinda musarudzo dzema by elections idzi vanofanirwa kunge vanyoresa mazita avo mukati memazuva maviri kubva zuva rinenge raziviswa nezvekuitwa sarudzo idzi.
Mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rakagadzirira zvakakwana kupinda musarudzo idzi.
Sachigaro weZimbabwe Elections Support Network, VaAndrew Makoni, vati sarudzo idzi hadzina zvadzichabatsira sezvo vachasarudzwa musi Kurume 26 vachingove negore rimwe chete kusvika pachaitwa sarudzo dzemuna 2023.
VaMakoni vati dai mari ichashandiswa pasarudzo idzi yapihwa Zimbabwe Electoral Commission kuitira kuti isimbaradze hurongwa hwekunyoresa vanhu vanoda kuvhota muna 2023.
VaMakoni vatiwo VaMnangagwa vanga vachifanira kumbomira kuzivisa zuva resarudzo idzi kudzamara nyaya dzakakwidzwa nevamwe vakadzingwa muparamende dzapera kutongwa mumatare edzimhosva.
Sarudzo idzi, idzo dzichaitwa mumatunhu makumi maviri nemasere, dzakambomiswa nehurumende ichiti yaityira kuti dzihwamupengo reCovid 19 rinogona kunyanyopararira munyika kana sarudzo idzi dzikaitwa izvo zvakaita kuti mutemo unoti sarudzo dzechipiri dzinofanira kuitwa mukati memazuva makumi mapfumbamwe kana kwaziviswa zviri pamutemo kuti chigaro hachisisina munhu, umbosendekwa parutivi.
Muchiziviso chavo, VaMnangagwa havana chavataura nezvesarudzo dzemakanzura mumatunhu akawanda munyika dzinofanirwa kuitwa zvichitevera kufa pamwe nekudzingwa kwakaitwa mamwe makanzura neMDC-T.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi