Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Zvoyeuka Mumatari Bernard Mizeki Nemusi weMugovera

Father Noboth Manzongo

Zvizvarwa zveZimbabwe zvechitendero cheAnglican zviri muAmerica nemu Canada zvaronga mhemberero huru yekuyeuka Mumatari Bernard Mizeki nemusi weMugovera, 20 Chikumi.

Mhemberero iyi, ichave yekutanga kuitwa nevatendi ve Anglican veZimbabwe vanogara mu America nemu Canada.

Bernard Mizeki, uyo akafa muna 1896, ndiye munhu wekutanga muZimbabwe kuurayirwa chitendero chake apo akange achiita basa rekereke kwaMangwende, kuMarondera.

Mufundisi Naboth Manzongo veku Ontario, kuCanada, vanoti vanotarisira mhemberero huru sezvo vazhinji vange vakamirira nhembereo iyi; vanoti zvekare, pane pfungwa dzekuita mhemberero iyi gore rega rega.

Father Manzongo vazivisa kuti vanhu vanokwanisa kupinda mumhemberero iyi padandemutande re’Zoom’ nemusi weMugovera nenguva dza 1 o’clock masikati (EST) mu America, inove 7pm kuZimbabwe uye 6pm kuUnited Kingdom. Nhamba yemusangano uyu, kana kuti Meeting ID ndi: 774 010 8959. Kupinda mumhemberero iyi, endai pa:
‪https://us02web.zoom.us/j/7740108959‬. Kuwana nhamba yekufona kwamunenge muri, endai pa: ‪https://us02web.zoom.us/u/kdoOctwkfR

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naFather Noboth Manzongo