VaTillerson Vanodzingwa Basa naVaTrump

VaRex Tillerson

Mutungamiri weAmerica, VaDonalad Trump, vadzinga basa gurukota ravo rinoona nezvekudyidzana kwe America nedzimwe nyika, VaRex Tillerson.

VaTrump vabva vadoma mukuru we Central Intelligence Agency, VaMike Pompeo, kuti vatore basa ranga richiitwa naVaTillerson.

Mumwe mukuru mukuru pamuzinda we White House ati kudzingwa basa kwaVaTillerson kwaitika panguva iyo VaTrump vari kuda kuva nechikwata chitsva apo America iri kuronga kuita nhaururano neNorth Korea, kusanganisirawo dzimwe nhaurirano nezvibvumirano zvinobata dzimwe nyika.

VaTrump naVaTillerson vagara vachipesana panyaya dzakawanda.

VaTillerson havasi kuramba kuti vakamboti VaTrump “munhu ane pfungwa dzisina kukwana”.

VaTillerson vanga vachangobva mukushanyira nyika dzemu Africa dzinoti Ethiopia, Kenya, Chad, Djibouti ne Nigeria.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, Doctor Wangu Madzore, vanoti havasi kutambira nemufaro zvaitwa naVaTrump, zvikuru pakatariswa kuti VaTillerson vanga vari pakati perwendo rweku Africa.

“VaTillerson vange vari munhu anokoshesa hurukuro nekutauriorana. Ambassador ari kuAfrica, kuZimbabwe, (Va) Harry Thomas, vange vachitaura zvakanyanya nenyaya dzekutaurirana nekubatsirawo Zimbabwe. Zvange zvichiratidza kuti Zimbabwe yange ichitaurwawo apo neapo. Asi VaTrump pachavo hatisati tanyatsokuona zvakanyatso kujeka kuti vakamira papi.”

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Wangu Mazodze