Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze kweNyika Zvotaura Pamusoro peZviri Kubuda muSarudzo dzemuAmerica

  • Jonga Kandemiiri

Mumiriri weDemocratic Party VaJoe Biden nemumiriri wePrepublican Party, vari mutungamiri wenyika, VaDonald Trump.

Sarudzo dzemuAmerica dzichiri kuverengwa mumiriri weDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika iyi, VaJoe Biden , vachitungamira muzvigaro zve electoral college zvavawana zvichienzaniswa nezvigaro zvawanikwa pari zvino nemumiriri weRepublican Party, uye vari mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.

Vanoongorora sarudzo vanoti mamiriro akaita zviri kubuda musarudzo idzi zvinonetsa kuona pari zvino kuti angangozobudirira kuve mutungamiri wewnyika ndiani, sezvo vaviri ava vari kuratidza kuti vane rutsigiro rwakasimba mumatunhu anogaronetsa, kana kuti swing states, anosanganisira Pennsylvania, Michigan neWisconsin.

Matunhu aya akakwikwidzanwa zvakasimba zvakare muna 2016 pakati paVaTrump nevaimirira Democratic party musarudzo Amai Hillary Clinton, VaTrump vakazobudirira kusarudzwa kuve mutungamiri wenyika.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa zvematongerwo enyika paWellesley College mudunhu reMassachusetts, Doctor Chipo Dendere, vanoti zvichiri kunetsa kuti vaone kuti ndiani angabudirira sezvo mavhoti achiri kuverengwa.

Doctor Dendere vanotiwo senyanzvi mune zvematongerwo enyika, gore rino vakanzi vasanyanye kutaura nezveavanofunga kuti achakunda kusvika mavhoti ose apera kuverengwa.

Asi vanoti rino igore rekudzidza zvitsva, kusanganisira kuAmerica kwacho, vanhu vari kudzidzawo zvitsva pamusoro pesarudzo idzodzi.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe vari nhengo yebhodhi reAfrican Immigrant Caucus, Re. Doctor Isaac Mwase, vanowiriranawo nemaonero aDoctor Dendere ekuti mavhoti ose anofanirwa kutanga averengwa pasti pataurwa kuti akunda ndiani.

Mapato maviri aya achiri kukweshanawo musarudzo yenhengo dzeseneti, idzo dzine mavhoti achiri kuverengwawo zvakare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere