Vadzidzisi Vokurudzira Vashandi Kuramwa Mabasa Kudzamara VaMugabe Vasiya Basa

  • Jonga Kandemiiri

VaObert Masaraure

Sangano revarairidzi vekumaruwa re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, rinoti riri kukurudzira vashandi vehurumende vese, pamwe neveruzhinji kuti varamwe mabasa pamwe nekuvhara mabhizimusi kutanga.

Sangano iri rinoti izvi zvinofanira kutanga Muvhuro, Mbudzi 20, 2017 kusvika mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiya basa.

Mutungamiri wesangano iri, VaRobert Masaraure, vanoti vapawo gurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, maawa makumi maviri nemana kuti vasiye basa nekuti vakundikana kugadzirisa matambudziko evarairidzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Obert Masaraure