Varimi veFodya Vokurudzirwa Kurima Fodya seBhizimusi

FILE - Murimi wefodya achitengesa fodya yake muna 2016. Harare, March 30, 2016.

Varimi veFodya nhasi vari kutarisirwa kuungana muHarare mavachasangana nevemakambani anoshanda nevarimi pamusangano wakanangana nekurima fodya sebhizimusi.

Musanganao uyu, uyo wakokerwa nekambani yeCardinal Chartered Accountants (Zimbabwe), uri kutarisirwa kuvhurwa zviri pamutemo negurukota rezvekurima, VaPerence Shiri.

Vamwe vari kutarisirwa kutaura nevarimi pamusangano uyu vari kubva kumakambani ezve insurance, veTobacco Industry Marketing Board, TIMB, pamwe nevemabhenga anotsigira varimi.

Mazvikokota wekurimwa kwefodya uye vari mukuru wekambani yeTIMB Doctor Andrew Matibhiri vanoti musanagano uyu wauya nguva yakanaka sezvo mazuva ekuvhurwa kwemwaka wekutengeswa kwefodya ave pedyo.

Mwaka wekutengeswa kwefodya uri kutarisirwa kutanga nemuri wa 21 Kurume.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Andrew Matibhiri