Kusanaya Zvakanaka kweMvura Kwoita Kuti Varimi Vatarisire Goho Riri Pasi

Zvirimwa zvakawanda zvakatsva nekushaya mvura

Vamwe varimi mudunhu reMashonaland West vanoti vachakohwa zvishoma zvichitevera kunonoka kunaya kwemvura mwaka uno.

Varimi vakawanda vanoti kunyange vakawana mvura yakawandisa mumazuva mashoma apfuura vanoti vachakohwa zvishoma zvichienzaniswa negore rapera.

Zvirimwa zvakawanda zvakadyarwa gore rapera muna Mbudzi mwedzi unotanga kunaya mvura munyika zvainge zvave kuoma nekushaya mvura apo zvainge zvotanga kubereka.

Mumwe murimi wekuMhangura, VaBenedict Kamusiiwa, vanoti chibage chakadyarwa gore rakapera icho change chatsva vachakohwa zvishoma asi chibage chidiki ndicho chavachawana sezvo mvura yave kunaya zvakanaka.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe murimi, VaCletus Mbirimi, avo vanoti chibage chekutanga icho chakatumbuka chichiri chidiki, hapana chavachakohwa.

VaMbirimi vanoti chibage chichiri chidiki chichabereka kana varimi vakawana fotireza.

VaMbirimi vanoti vachatadza kukohwa sezvo fotireza yekupihwa nehurumende isiri kufambiswa zvakanaka nevakuru vezvematongerwo enyika.

Mumwe murimi, Amai Chenai Nyikadzino, vanoti vari kufarira mvura sezvo chibage chavo chave kufurura uye change chave kupera nekudyiwa nemakonye nekuda kwezuva ranga ranyanyisa kupisa.

Izvi zvinotsigirwa naVaKamusiiwa avo vanoti chibage chavo change chichidyiwa nemakonye nekuda kwezuva zvekuti zvichaderedza goho ravo.

Asi Amai Nyikadzino vanoti goho ravo rinenge rakadzikira zvichienzaniswa negore rapera nekuda kwezuva rakakanganisa zvirimwa zvakawanda.

Mvura iri kunaya zvakanyanya iri kukanganisawo fodya iyo yave kuora muminda.

VaSimbarashe Chin’ono, avo vanorima pedyo neMhangura vanoti fodya yavo yave kuora nekuda kwemvura yawandisa izvo zvave kuvamanikidzira kuitemha zvichaita kuti isawane mari yakawanda pamusika wefodya.

Nyanzvi munyaya dzezvekurima dzinokurudzira varimi kuti vasadyare zvirimwa zvavo zvose panguva imwe chete nekuda kwemwaka yekurima yashanduka nekuda kwemamiriro ekunze, climate change.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Arthur Chigoriwa