Dr Parirenyatwa Vokundikana Kukurudzira VanaChiremba Kuti Vasaramwe Mabasa

VaDavid Parirenyatwa

Mushure memusangano wavakaita nezuro negurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, mukuru wesangano rana chiremba, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Mxolisi Ngwenya, vanoti havasi kuzodzokera kubasa kusvika zvichemo zvavo zvagadziriswa.

Dr Parirenyatwa vakaita musangano nevatungamiri vesangano ranachiremba vakavaudza kuti mari ndiyo inonetsa nekuti nyaya yehupfumi hwenyika haina kumira zvakanaka.

VaParirenyatwa vakakumbira vana chiremba kuti varape vanouya kuzvipatara vachirwarisa. Vakavaudzazve kuti vanzwa zvichemo zvavo uye vachazvikwidza kumusoro kunyange vasina chavanovimbisa.

Asi Dr Ngwenya vanoti hapana kudzokera kumashure kusvika zvichemo zvavo zvose zvagadziriswa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Mxolisi Ngwenya