Vechidiki veMDC Voronga Kuratidzira Mwedzi Uno Wose

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Vechidiki veMDC vanoti vari kuronga kuratidzira mwedzi uno wose nekusafara nemamiriro ezvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Vachitaura nevatori venhau pamusango waitwa muHarare nhasi mutungamiri wevechidiki ava VaObey Sithole vanoti kuwoma kwaita zvinhu nekuwondomoka kwehupfumi ndizvo zviri kuvatuma kuti vafunge kuratidzira.

VaSithole vanoti vachatevedzera bumbiro remitemo muhurongwa hwavo hwekuratidzira sezvo richipa veruzhinji mvumo yekuita izvi zviri pamutemo.

VaSithole vakasarudzwa kuve sachigaro wevechidiki pasarudzo dzakaitwa pagungano reNational Congress rebato reMDC kuGweru mwedzi wapfuura.

Hurongwa uhwu vanoti hwavakutotanga uye uchaenderera mberi kusvika zvinhu zvachinja munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaObey Sithole