Madzimai eWomen of Dominion Oita Machikichori neMugovera muMaryland

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Thamary Pfinayi

Madzimai ari pasi pemubatanidzwa wemakereke akasiyana siyana muAmerica ari kutarisirwa kusangana pamabiko neMugovera kuMaryland pachiitiko chiri kutarisirwa kuunganidza mari yekubatsira sangano iri.

Hurongwa uhu huri kuitwa pasi pesangano reWomen of Dominion. Dingindira rechirongwa ichi rinoti “Glitz and Glamour Fundraising Dinner”. Mabiko aya achashandiswa mukuunganidza mari yekukoka munyarikani achabva kuZimbabwe kuzotaura pamusangano wepagore uchaitwa muna Chikumi.

Mumwe wevanowona nezvekuunganidza mari musangano iri, Amai Thamary Pfinayi, vanoti vari kutarisira kuti madzimai vachauya nemhuri dzavo vachitsigira mabiko aya. Amai Pfinayi vanoti zvakakosha kuti madzimai vari mudiaspora varambe vakabatana vachirumbidza Mwari vari pamwe chete kunyange hazvo vachibva kumakereke akasiyana siyana.

"Tinotariro yekuti vanhu vazhinji vachauya kumabiko aya nekuti tinoda kuti tibatanidze mari yekubatsira kuwunza munyarikani wedu kubva kuZimbabwe kuti akwanise kukomborera vazhinji," Amai Pfinai vaudza Studio7.

Mubatanidzwa weWomen of Dominion unoitwa mumatunhu emuAmerica akasiyana siyana uye unopindwa nemadzimai anobva kumakereke akasiyana.

Asi gore rino uchange uchikokerwa nemadzimai emuMaryland andozivikanwa nerekuti Love Sisters.