Bato re Democratic Party riri kurwisa kuti rishandise mukana wesarudzo dzepakati petemu idzi kutora masimba kubva kubato re Republican Party iro rine hutungamiri hwematare eSeneti nerepasi re House Of Representatives.
Sarudzo idzi dziri kuitwawo pakati petemu yemutungamiri wenyika vari vebato reRepublican VaDonald Trump. Matunhu anotarisirwa kuita makwikwi akasimba anosanganisira California neArizona neFlorida. Sarudzo dzemuna 2016 dzakaita mutauro Russia ichipomerwa mhosva yekupindira musarudzo idzi kuitira kuti zvaibuda zvitsigire vaTrump, asi vaTrump vari kuzviramba.
Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7 abata chizvarwa cheimbabwe chiri mu Washington DC amai Pearl Matibe kuti tinzwe maonero avo. Amai Matibe vanoti vanotsigira bato rema Democrats uye vane shuwiro yekuti bato ravo ribudirire zvakanaka.