Amai Hillary Clinton naVaDonald Trump Voita Gakava Ravo Rekupedzisira

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Amai Hillary Clinton vemaDemocrats Votatsurana naVaDonald Trump vemaRepublicans mugakava rekupedzisira

Vari kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica vaDonald Trump naAmai Hillary Clinton vari kuita gakava ravo rekupedzisira manheru nhasi.

Vanopinda musarudzo dzemutungamiri wenyika vanoita magakava matatu.

Vazhinji vanofunga kuti hondo yegore rino pakati paVaTrump vebato re Republican naAmai Hillary Clinton ve Democratic Party yasvika pasati pambosvikwa munhoroondo yezvematongerwo enyika yamazuvano.

VaPishai Muchauraya, mutauriri webato reRenewal Democrats of Zimbabwe asi vachitaura vakazvimirira vaudza Studio 7 kuti magakava akadayi akakosha zvikuru sezvo achiratidza pamire vanokwikwidza musarudzo uye shuwiro yavo ndeyekuona zvakadayi zvichiitikawo munyika.

"Ndinofarira zviri kuitwa kuAmerica sezvo zviri kuratidza hutongo hwejekerere. Tinoda kuona zvakadayi zvichiitwa muZimbabwe sezvo zviri zvinhu zvakanaka," VaMuchauraya vaudza Studio 7.

Sarudzo idzi dzirikutarisirwa kuitwa mwedzi uno uya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPishai Muchauraya