Muzvare Musawenkosi Saurombe Vanoita PhD Vaine Makore Makumi Maviri neMatatu

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Dr Musiwenkosi Donia Saurombe

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Doctor Musawenkosi Donia Saurombe

Chimwe chizvarwa che Zimbabwe, Musawenkosi Donia Saurombe, akapinda munhoroondo yekuva wechidiki wekutanga mu Africa yose kupedza zvidzidzo zve Doctor of Philosophy, PhD aine makore makumi maviri nematatu.

Muzvare Saurombe, uyo akakurira ku Botswana, akaita PhD yake paNorth West University-Mafikeng, ku South Africa.

Akatanga zvidzidzo zvepamusoro soro aine makore gumi nematanhatu, akapedza degree rake rekutanga aine makore gumi nemapfumbamwe.

Muzvare Saurombe anoti vabereki vake nehama neshamwari dzinobva kuZimbabwe, Bostwana ne South Africa, vakafara zvikuru nekubudirira kwaakaita muzvidzidzo zvake.

"Ndave kuda kuita Professor saka ndakatotanga kugadzirira kuita zvidzidzo izvi," Muzvare Saurombe vaudza Studio 7.

Muzvare Saurombe vari muAmerica umo vachapinda pamusangano wezvedzidzo kuLas Vegas, Nevada muAmerica pamwe neChina.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Musa Saurombe