Senator John McCain Vorangarirwa muWashington DC

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPromise Sande

Hama neshamwari dzevaive seneta wemu America, VaJohn McCain, dzaungana neMugovera pa Washington Cathedral mu Washington DC dzichirangarira VaMcCain avo vakashaya nemusi weMugovera wapfuura.

​Vaimbove vatungamiri ve America, Va George W. Bush naVa Barack Obama, varangarirawo Va McCain pamunamato waitirwa mu Washington DC.

VaMcCain vakakundwa naVa Bush musarudzo yekutsvaga achamirira bato re Republican Party musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2000, vakakundwa zvakare musarudzo yemutungamiri wenyika naVa Obama muna 2008.

Asi mutungamiri weAmerica, Va Donald Trump, havana kukokwa kumunamato wekurangarira Va McCain, izvo zviri kuonekwa nevakawanda senzira yekuratidza kusafarirwa kwaiitwa Va Trump nemufi.

VaMcCain, avo vakashaya vava nemakore makumi masere nerimwe, vari kuradzikwa neSvondo ku U.S. Naval Academy pedyo neguta re Annapolis mu Maryland.

John McCain Family

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, VaPromise Sande, vanoti Zimbabwe inokwanisa kudzidza zvakawanda panyaya dzekuremekedza vanhu vanenge vaita mabasa anodadisa pasana kupinza mukati kuti vanobva kubato ripi.