Veruzhi Vokurudzirwa Kuti Vaite Zvehutsanana Senzira Yeku Rwisa Kupararira kweKorera

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Portia Manhangazira

Chirwere chekorera chaura vanhu vanosvika makumi mana nevashanu, makumi mana nevatatu vari vemuHarare chete.

Vamwe vaviri vakashaika ku masvingo nekuManicaland kunyange hazvo vakange vabva kuguta guru reharare kwavakatangira kurwara.

Nyanzvi muzvirwere zvinotapurirana mubaza rehutano, Dr Portia Manhangazira, vanoti vari kufara nehuwandu hwemasangano emunyika nekunze ari kubatana nehurumende mukurwisa dambudziko iri.

Chirwere chekorera chinonzi chakatekeshera kuGlen View neBudiriro pari zvino.

Dr Manhangazira vanoti zvakakosha kuti vanhu vaite zvehutsanana panguva ino kuita kuti vasatapurirana chirwere ichi kana vachinge vachibata. Vanoti pane makambani mazhinji ari kubatana nebazi rezvehutano mukuyedza kurwisa chirwere ichi.

"Tiri kufadzwa nerubatsiro rwatiri kupihwa nemakambani emunyika nekunze mukuyedza kurwisa dambudziko rekorera," Dr Manhangazira vaudza Studio7.