VaChari Vanoti Vatumira Vana Chiremba Kunobatsira Vakakuvadzwa neCyclone Idai

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Freeman Chari

Mumwe wevanhu vakatanga hurongwa hwekutsvaga mari yekubatsira mudambudziko reCyclone Idai, VaFreeman Chari, vanoti mari yavakwanisa kuunganidza pari zvino yave kudarika zviuru makumi masere nezvina zvemadhora.

VaChari vanoti vakatanga hurongwa hwe GoFundMe vaine chinangwa chekuunganidza zviuru zana zvemadhora.

VaChari, avo vanogara muAmerica, vanoti vari kushanda nemasangano akazvimirira, pamwe nevanhu vemumatunhu akatarisana nedutumupengo iri.

VaChari vanotiwo pane vana chiremba makumi maviri vaendeswa kumatunhu aya kuitira kuti vanobatsira vanhu vanoda rubatsiro zvichitevera kukuvara kwavakaita mutsaona yemvuramupengo.

"Tiri kushanda nevanhu vari mumatunhu akabatwa nedambudziko iri. Chishuwo chedu ndechekuti vanhu vawane rubatsiro nechimbi chimbi pasina zvekumbomirira kuwana mvumo kumamwe mahofisi. Pari zvino tinofara nevatiri kushanda navo nekuti zvese zvatiri kuita zviri kuitwa pajekerere," VaChari vaudza Studio7.

Zimbabwe Cyclone

VaChari vanoti rutsigiro rwavari kuwana kubva kunezvizvarwa zveZimbabwe zviri pasi rose rwunodadisa nekuti dambudziko iri neremunhu wese. Vanoti vakatanga chirongwa ichi mazuva apfuura uye vanoshuwira kuti vanhu varambe vachibatsira nepavanokwanisa sezvo dambudziko iri richiri rakakomba.

VaChari vanoti kune dzimwe dzvimbo rubatsiro harusati rwasvika sezvo kusiri kufambika asi varikushanda nemasangano akawanikwa vachiwunza zvikopokoko munzvimbo iyi kuti vatakurewo chikafu nemishonga zvichieswa kune avo vakatarisana nedambudziko iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFreeman Chari