European Union neBritain Vobvisa Mari yeKubatsira Zimbabwe paDambudziko reCyclone Idai

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zimbabwe European Union 3

Sangano reEuropean Union razivisa kuti richange richipa Zimbabwe mari inosvika mamiriyoni matatu nemazana mashanu ezviuru zveMayuro semari ichashandiswa mukubatsira vanhu vakatarisana nedambudziko redutumupengo reCyclone Idai.

Britain inotiwo ichapa Zimbabwe, Mozambique neMalawi mari inosvika mamiriyoni matanhatu emapaunzi ichashandiswa kubatsira avo vakatarisana nedambudziko rakabva ku clyclone Idai.

Vamwe vechidiki vari kubatana neveruzhinji mukuunganidza mbatya nechikafu chichaendeswa kune avo vakawirwa nedambudziko iri.

VaKuda Musasiwa wekambani yeFresh In A Box, vanoti vari kushanda nevedzisvondo mukuunganidza zvinhu zvichapihwa vanhu kuChimanimani nedzimwe nzvimbo dzakavhiringwa neCyclone Idai.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKuda Musasiwa