Vamwe VanaChiremba Vanoti Kurukwa neBvudzi reKutenga Kunokonzera Zvirwere

Your browser doesn’t support HTML5

Nyanzvi yezvehutano hwemaziso, iyo ine ruzivo zvakare nezvezvirwere zvinokonzerwa nevhudzi rekutenga, Dr Solomon Guramatunhu, vanoti vanhu vanofanira kudada nemasikirwo avakaitwa nokuti rimwe vhudzi ravari kurukirira mumisoro yavo rinobva kuzvitunha zvevanhu vanenge vafa nematenda akasiyana siyana.