Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, Muzvare Moira Tsanga, vanoti vafara zvikuru kuwana mukana wekuwonekana nemutumbi wevaimbove mutungamiri weAmerica, Va George H.W Bush, avo vakashaya mushure mekurwara kwenguva ndefu.
VaBush vakashaya neChishanu chapfura kumba kwavo mudunhu reTexas.
Mutumbi waVa Bush wakaunzwa kuUS Capitol muWashington neMuvhuro uye veruzhinji vari kubvumidzwa kuenda kunowonekekana nawo kutanga Chipira kusvika Chitatu.
Mushure mezvo mutumbi waBush uchaenda kunoradzikwa kuTexas pedyo nerinda remudzimai wavo, muchakabvu Barbra Bush.
Muzvare Tsanga vanoti vadzidza kukosha kwakaita kubatana kwevanhu vanobva kumapato akasiyana siyana panguva dzerufu.
VaBush, avo vane mwanakomana akamoitawo mutungamiri wenyika kubva muna 2001 kusvika muna 2008, VaGeorge Walker Bush, vange vari vebato Republican Party, asi vari kuchemwawo nevebato reDemocratic Party, kusanganisirawo zvizvarwa zveAmerica pamwe nezvinobva kune dzimwe nyika pasi rose.
"Aka ndekekutanga kuwana mukana wekubatana nemhuri dzevanyarikani vemuAmerica vanenge vashaya asi ndabatwa neruremekedzo rwange rwuchipihwa VaBush nevanhu vauya kuzovawoneka vechidiki nevanhu vakuru," Muzvare Tsanga vaudza Studio7.
Muzvare Tsanga vanoti vachange vachichema nevamwe vari kumba kwavo sezvo zuva Chitatu chatarwa sezuva rezororo rekuchema VaBush.
VaBush, avoi vaive mutevedzeri wevaimbove mutungamiri weAmerica, muchakabvu Ronald Reagan, vasarudzwa kuva mutungamiri wenyika iyi kubva muna 1989 kusvika muna 1993.
Vasiya vana vave nemhuri dzavo vanoti Jeb Bush, George Bush, Palina Bush, Dorothy Bush Koch, Neil Bush na Marvin Bush.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naMuzvare Moira Tsanga