Mutumbi waVaGeorge H.W Bush Wosvika muWashington DC

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

George HW Bush

Mutumbi wevaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaGeorge Herbert Walker Bush uri kurara mudare reparamende reAmerica kana kuti Capitol Hill muWashington DC kuti vanhu vauye kuzoonekana navo.

VaBush, vane mwana akambotungamirawo America anonzi zvekare George Bush. Mufi akatungamira America kubva muna 1989 kusvika 1993.

Vakamboitawo mutevedzeri waVaRonald Reagan vakatungamira America kubva muna 1981 kusvika muna 1989. Kubva muna 1990 kusvika 1991 VaBush vakatungamira hondo yekutanga neIraq kana kuti First Gulf War apo vakarwisa nyika iyi mushure mekupamba kwayainge yaita nyika yeKuwait.

VaBush vakashaya nemusi weChishanu mushure mekurwara kwenguva yakareba uye vacharadzikwa kuTexas.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muno muAmerica VaTaka Kapikinyu vaudza Studio 7 kuti pane zvizhinji zvingadzidzwe neZimbabwe mukurangarira vatungamiri venyika vanenge vashaika vachiti zvinhu zvemuAmerica zvakarongeka uye zvinosiya nhoroondo yakasimba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Taka Kapikinyu