Veruzhinji Vokurudzira Hurumende Kuti Igadzirise Dambudziko reKushaikwa kweMafuta

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKuda Musasiwa

Dambudziko remafuta edzimotokari rinonzi riri kuenderera mberi zvikuru muguta guru reHarare umo vanhu vazhinji vari kuswera vari mamitsetse vakamirira mafuta.

Mumwe mugari wemuHarare, Va Kuda Musasiwa, vanoti kusarongeka kwehurumende ndiko kuri kukonzera dambudziko iri.

VaMusasiwa vanoti hurumende inofanirwa kutsvaga vanhu vane hunyanzvi panyaya dzehupfumi kuti vagadzirise dambudziko iri sezvo vamwe vava kuita mhirizhonga panguva iyo vanenge vakamirira mafuta mimitsetse.

VaMusasiwa vanoti bhanga guru renyika rinofanirwa kugadzira nyaya yekushaikwa kwemari yekunze sezvo mafuta aya achitengwa nemari yekunze iyo iri kushomeka pari zvino izvo zviri kukonzera kuti dambudziko iri rinonoke kupera.

"Vatungamiri veReserve bank vanofanirwa kugadzirisa zvinhu nekuti dambudziko iri rave kutifungidza gore ra 2008 apo nyika yakambopinda mukuwona kwezvinhu mushure mesarudzo, tiri kuwona zvimwe chetezvo zvichiitika pari zvino asi izvi zvinokwanisa kugadzirisika kana hurumende ikarongeka," VaMusasiwa vaudza Studio7.