Nhengo Pfumbamwe dzeWar Veterans Pressure Group Dzorara Dzakachengetedzwa kuHarare Central.

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

War Vet In Chains

Sachigaro vesangano rakazvimirira rinomirira kodzero dzevaive varwiri vehondo yerusununguko re War Veterans Pressure Group, Va Amos Sigauke, vanoti vari kushushikana nekusungwa kwakaitwa nhengo dzavo pfumbamwe nezuro uye dzichiri dzakachengetedzwa kuHarare Central pari zvino dzisina mhosva yadzapomerwa.

VaSigauke vaudza Studio7 kuti nhengo dzavo idzi dzakange dzaenda kumahofisi ebazi rezve mari nezuro vachida kutaura nezve kusafara kwavo nemari dzavari kuphihwa pamwedzi wega wega dzavanoti ishoma sezvo dziri mumadhora emabhondi ayo asina huremu.

VaSigauke vanoti nengo idzi dzakaenda kumahofisi uku neMuvhuro vakanzi vadzoke neChitatu asi pavakasvika pamahofisi aya nezuro vakabva vasungwa uye vachiri vakachengetedzwa pari zvino.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa munyaya iyi.

"Nhengo dzedu dzichiri dzakachengetedzwa kuHarare Central uye mapurisa ari kurama kuti tidzipe mishonga nezvimwe zvikwanisiro izvo zviri kuti shungurudza zvikuru," vadaro VaSigauke.

Vaenderera mberi vachiti nhengo dzavo dzange dzisati dzapomerwa mhosva uye dziri kutarisirwa kurara muchizarira dzozo miswa pamberi pedare mangwana.

"Tiri kushaya kuti mhosva yaparwa nenhengo dzedu ndeyeyi sezvo parizvino kodzero dzavo munyaya yezve hutano hwavo dziri kutyorwa nekuti hatisi kubvumidzwa kuvapa mishonga yavo. Vazhinji vane miviri inorwa kubva kune zvavakasangana nazvo kuhondo," VaSigauke vatsinhira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaAmos Sigauke