MDC Alliance Inoti Yakasvitsa Mapepa Ayo kuConstitutional Court neNguva

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nkululeko Sibanda

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNkululeko Sibanda

Mutauriri wemutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa VaNkululeko Sibanda vanoti bato ravo rakakwanisa kuendesa mapepa avo kudare reconstitutional court pachiri nenguva uye kwete zviri kutaurwa mumabepa nhau ehurumende.

Va Sibanda vanoti MDC Alliance yakato kwidzwa nyaya yenyunyuto dzavo sezvo vane humbowo hwakawanda unoratidza kuti vakabiridzirwa uye mutungamiri wavo VaNelson Chamisa ndivo vakakunda musarudzo zvinemutsindo kwete Va Emmerson Mnangagwa sezvakataurwa nesangano reZimbabwe Electoral Commission.

VaSibanda vanoti vaChamisa vatori mushishi mekuronga hurumende yavo yemangwana kuitira kuti pachazozeyewa nekupedzwa nyaya yavo vange vakarongeka.

VaSibanda vanoti vachaziva zvichabuda mumavhiki maviri inotevera.

"VaChamisa nhasi vaenda kusvondo semunhu anonamata, asi vatori mushishi mekuronga hurumende yavo yamangwana kutiira pavachakunda mumatare vozowanikwa vachigadzwa semutungamiri mutsva wenyika sezvo vari ivo vakakunda," VaSibanda vaudza Studio7.

VaMnangagwa vange vakatarisirwa kutoreswa mhiko nhasi asi izvi zvakambomiswa sezvo MDC Alliance yakakwidza nyaya iyi kumatare.