Bazi rezvehutano rakazivisa neMuvhuro kuti vanhu vatanhatu vainge vafa nechirwere cheCovid-19. Izvi zvave kureva kuti vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika vave mazana maviri nevaviri kana 202.
Pavanhu vashaya ava, vatatu ndeve kuBulawayo, mumwe chete kuMidlands, vaviri kuMatabeleland South.
Vanhu vabatwa nechirwere ichi vave zviuru zvitanhatu zvine mazana mana ane makumi mafumbamwe nevanomwe kana kuti 6,497. Izvi zvinotevera kubatwa kwevanhu makumi masere nevashanu nechirwere ichi.
Pavanhu ava, vashanu vakabva kunze kwenyika vamwe vakabatwa nacho munyika. Vanhu vapora vave zviuru zvishanu zvine mazana maviri nemakumi maviri nemumwe chete kana kuti 5, 221. Izvi zvinotevera kupora kwevamwe vanhu zana nemakumi matanhatu kana kuti 160.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Addmore Jokwiro vaudza Studio 7 kuti sezvo chirwere chonyanya kupararira munharaunda, veruzhinji vanofanira kuti varambe vakapfeka zvekudzivirira muromo nemhuno kana kuti mask.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naDr Addmore Jokwiro