Muzvinafundo Moses Rumano Voita Bhizinesi reKurima muAmerica

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Doctor Moses Rumano

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Muzvinafundo Moses Rumano, vanoti rudo rwavo rwechikafu chekumusha rwakaita kuti vatsvage munda wekurima zvirimwa zvakaita sechibage, mirivo, vachitengesera vanoda zvirimwa izvi.

Doctor Rumano, avo vandzidzisa paFriends University mudunhu reKansas, vanoti bhizimusi ravo rapfumbira zvikuru panguva ino yeCovid-19 sezvo zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zviri kufarira zvirimwa zvinovaka muviri uye zvinozvifungisa kumusha.

Muriwo Uri Kurimwa naDoctor Rumano

Doctor Rumano vanoti vari kugadzira maputi avanotengesa padandemutande ayo ari kufarirwa nevazhinji.

Vanoti zvakakosha kuti vanhu vaite mamwe mabasa emawoko anovafadza sezvavari kuita ivo nekurima.

"Ndiri kufara nemafambiro ari kuita mabasa angu ekurima pari zvino uye ndatoona bhizinesi rangu richikura panguva ino yeCovid-19, zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvichifarira zvandiri kugadzira," vadaro VaRumano.

Doctor Rumano vanoti vakakurira kumusha kwavakadzidza kurima mbesa dzakasiyana siyana uye pari zvino vave nekambani inogadzira maputi nekugaya hupfu hwechibage chavanorima.

Vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvizhinji zviri kufarira hupfu hwemugaiwa hunogadzirwa nekambani yavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Moses Rumano