Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu gumi nevapfumbamwe, vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu chiuru chimwe nemazana matatu nemakumi mashanu nevanomwe, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Vanhu vafa munyika yose vava chiuru chimwe chete nemazana masere nevasere, uye vabatwa nechirwere ichi vava zviuru makumi mashanu nechimwe nemazana maviri nemakumi maviri nemumwe chete, 51 221.
Vanhu vabaiwa nhomba yekutanga vava zviuru mazana manomwe nemakumi masere nezviviri, zvine mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nevasere, 782 thousand 698.
Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Nyanzvi yezvehutano uye vari chiremba, Dr Simbiso Ranga, vanoti zvakakosha kuti vanhu varambe vachibaiwa nhomba yeCovid-19 kuitira kuti denda iri risarambe richitekeshera munyika.
Dr Ranga vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7 kuti nyika inofanirwa kubaya vanhu vakawanda nhomba senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi.
"Zvakakosha kuti vanhu varambe vachibaiwa nhomba yeCovid-19 senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi," Dr Ranga vaudza Studio7.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naDr Simbiso Ranga