Mashoko aVaMnangagwa Kune Vasina Kubayiwa Nhomba yeCovid-19 Oshorwa neVanorwira Kodzero dzeVanhu

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru we Human Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, Va Dewa Mavhinga, vari kushora zvikuru mashoko emutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, ekuti vanhu vanenge vasina kubayiwa nhomba vanogona kuzotadza kuwana mabasa muhurumende munguva inotevera.

President Emmerson Mnangagwa

Vachitaura vari kuNyamandlovu nemusi weChina, VaMnangagwa vakati zvakare vanhu vasina kubaiwa nhomba iyi vanokwanisa kuzotadza kukwira mabhazi eZupco izo zvashorwa navamavhinga.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende pamashoko ava Mnangagwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Manzwi aVaMnangagwa

Asi VaMavhinga vanoti bumbiro remitemo yenyika haribvumidze kuti vanhu vamanikidzwe kuita zvinhu zvakaita sekubaiwa nhomba.

"Pane zvizhinji zvinoitisa kuti munhu ange achitadza kubaiwa nhomba yeCovid-19 zvino zivikanwa pakati pemunhu nachiremba wake saka zvakakosha kuti kodzero dzevanhu dziremekedzwe pasina kutyisidzirwa," VaMavhinga vaudza Studio7.

VaMavhinga vanoti hurumende inofanirwa kukoshesa kurudziro inobva kuna Vanachiremba pamusoro penhomba iyi ye Covid-19 kuti veruzhinji vawane vimbo yekuti vabaiwe senzira yekurwisa hukasha wechirwere ichi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga