Nyanzvi dzeHutano Dzokurudzira Vanhu Kuti Varambe Vachizvidzivirira Kubva kuCovid-19

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Dr Simbiso Ranga

Nyanzvi munyaya dzehutano uye vari chiremba, Dr Simbiso Ranga, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji kuti varambe vachitevedzera kurudziro yekuti vapfeke mamasiki, kugeza mawoko, nekusamanikidzana panzvimbo dzinosangana vanhu.

Dr Ranga vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri munyika huri kuwanda mushure mekunge imwe mhando yedenda reCovid-19 rakabva nekuSouth Africa rakakomba riri kubata vanhu zvine hukasha uye richikonzera kufa kwevanhu nenguva diki diki.

Dr Ranga vanoti zvakakosha kuti vanhu varambe vachiongororwa kuti vane denda iri here, uye kana vabatwa vanaro, vaende kuna vana chiremba risati rakomba.

Vanoti kunyange hazvo mishonga yechivanhu iri kunzi nevanhu inobatsira, zvakakosha kuti veruzhinji vatange vaenda kuna chiremba vasati vafunga kushandisa mishonga iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Simbiso Ranga