Mutungamiri weSangano reTransform Zimbabwe, vaJacob Ngarivhume Vofara neRubatsiro Rwuri Kubva Kuzvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze kweNyika

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Transform Zimbabwe President Jacob Ngarivhume

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika dzakasiyana siyana zviri kuunganidza mari yekubatsira mutungamiri wesangano re Transform Zimbabwe, vaJacob Ngarivhume, muzvirongwa zvavari kuita zvekuchenesa nzvimbo dzinogara veruzhinji.

VaNgaribvume vanoti vari kufara nerwutsigiro rwuri kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika sezvo vange vasina kutarisira kuti vachawana rutsigiro rwakadai.

VaNgarivhume vanoti pari zvino vari kutarisira kuchenesa dzvimbo yeBudiriro uye vakakumbirwa nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti vachenesewo nzvimbo dziri kunze kweHarare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Ngaribvume